Psalms 68

Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

1Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe;
vavengi vake ngavatize pamberi pake.
2Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo,
saizvozvo vapeperetsei;
sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto,
vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.
3Asi vakarurama ngavafare,
vafarisise pamberi paMwari;
ngavafare vapembere.

4Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza,
murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore,
zita rake ndiJehovha,
uye farai pamberi pake.
5Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi,
ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.
6Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri,
anosesedza vasungwa vachiimba;
asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.

7Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari,
pamakafamba napakati perenje, Sera
8nyika yakazungunuka,
matenga akadurura mvura, pamberi paMwari,
iye weSinai, pamberi paMwari,
iye Mwari waIsraeri.
9Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji;
mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe.
10Vanhu venyu vakagaramo,
uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo.

11Ishe akataura shoko,
vanhu vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo:
12“Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza;
mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa.
13Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa,
mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha,
minhenga yayo negoridhe rinovaima.”
14Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika,
zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni.

15Makomo eBhashani makomo oushe;
makomo eBhashani akati twi.
16Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi,
pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo,
pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi?
17Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru
nezviuru zvezviuru;
Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai.
18Pamakakwira kumusoro,
makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu;
mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu,
kunyange zvaibva kuna vakapanduka,
kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo.

19Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu,
anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Sera
20Mwari wedu ndiMwari anoponesa;
kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.

21Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake,
panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo.
22Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani;
ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa,
23kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako,
ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.”

24Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari,
mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene.
25Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa;
pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni.
26Rumbidzai Mwari paungano huru;
rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri.
27Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira,
hawo machinda mazhinji aJudha,
uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari.

28Danai simba renyu, imi Mwari;
tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare.
29Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema,
madzimambo achakuvigirai zvipo.
30Tukai mhuka dziri pakati petsanga,
mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi.
Ngavauye nesirivha, vakazvininipisa.
Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa.
31Nhume dzichabva kuIjipiti;
Etiopia ichazviisa pasi paMwari.

32Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi,
rumbidzai Ishe nenziyo, Sera
33kuna iye anotasva matenga akare kumusoro,
iye anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.
34Paridzai simba raMwari,
iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri,
ane simba riri kudenga denga.
35Munotyisa imi Mwari, muri panzvimbo yenyu tsvene;
Mwari waIsraeri anopa ushe nesimba kuvanhu vake.

Mwari ngaarumbidzwe!
Copyright information for SnaBDSC